{
    "translation": "Shona Bible",
    "abbreviation": "shona",
    "lang": "sn",
    "language": "Shona",
    "direction": "LTR",
    "encoding": "UTF-8",
    "book_nr": 50,
    "book_name": "Philippians",
    "chapter": 1,
    "name": "Philippians 1",
    "verses": [
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 1,
            "name": "Philippians 1:1",
            "text": "  Pauro naTimotio, varanda vaJesu Kristu, kuvatsvene vese muna Kristu Jesu vari paFiripi, pamwe nevatungamiriri nevadhikoni: "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 2,
            "name": "Philippians 1:2",
            "text": "Nyasha kwamuri, nerugare rwunobva kuna Mwari Baba vedu nekuna Ishe Jesu Kristu.  "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 3,
            "name": "Philippians 1:3",
            "text": "  Ndinovonga Mwari wangu pakukurangarirai nguva dzese, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 4,
            "name": "Philippians 1:4",
            "text": "nguva dzese pamunyengetero wangu wega-wega pamusoro penyu mese ndichiita munyengetero nemufaro, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 5,
            "name": "Philippians 1:5",
            "text": "nekuda kwekudyidzana kwenyu muevhangeri kubva zuva rekutanga kusvikira ikozvino; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 6,
            "name": "Philippians 1:6",
            "text": "ndichivimba chinhu ichi, kuti wakatanga basa rakanaka mamuri, acharipedzisa kusvikira zuva raJesu Kristu; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 7,
            "name": "Philippians 1:7",
            "text": "sezvazvakandinakira kufunga izvi pamusoro penyu mese, nokuti ndinemwi mumoyo zvekuti zvese muzvisungo zvangu nemukutavirira nekusimbisa kweevhangeri, imwi mese muri vagovani pamwe neni venyasha. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 8,
            "name": "Philippians 1:8",
            "text": "Nokuti Mwari ndiye chapupu changu, kuti ndinokushuvai mese zvikuru sei muura hwaJesu Kristu. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 9,
            "name": "Philippians 1:9",
            "text": "Uye izvi ndinonyengetera, kuti rudo rwenyu rwurambe rwuchiwandisisa paruzivo nekunzwisisa kwese, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 10,
            "name": "Philippians 1:10",
            "text": "kuti mutende zvinhu zvakanakisisa, kuti muve vakarurama nevasine mhosva, kusvikira zuva raKristu, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 11,
            "name": "Philippians 1:11",
            "text": "makazadzwa nezvibereko zvekururama zvinouya naJesu Kristu, pakubwinya nekurumbidzwa kwaMwari. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 12,
            "name": "Philippians 1:12",
            "text": "Zvino ndinoda kuti muzive, hama, kuti zvinhu zvakandiwira zvakaita zvikuru kufambira mberi kweevhangeri; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 13,
            "name": "Philippians 1:13",
            "text": "zvekuti zvisungo zvangu muna Kristu zvinoratidzwa pamuzinda wese nekuvamwe vese. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 14,
            "name": "Philippians 1:14",
            "text": "Nevazhinji vehama muna Ishe, vavimbiswa nezvisungo zvangu, vonyanya kutsunga kutaura shoko raMwari vasingatyi. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 15,
            "name": "Philippians 1:15",
            "text": "Vamwe zvirokwazvo vanoparidza Kristu kunyange negodo negakava, nevamwewo nemoyo wakanaka; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 16,
            "name": "Philippians 1:16",
            "text": "vamwe vanoparidza Kristu nenharo, kwete pauchokwadi, vachifunga kuti vawedzere marwadzo pazvisungo zvangu. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 17,
            "name": "Philippians 1:17",
            "text": "Asi vamwe vanoita nerudo, vachiziva kuti ndakagadzirwa kutavirira evhangeri. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 18,
            "name": "Philippians 1:18",
            "text": "Zvino chii? Kunyange zvakadaro kunzira dzese, kana mumano-mano kana muchokwadi, Kristu anoparidzwa, uye ndinofara mazviri, hongu ndichazofarazve. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 19,
            "name": "Philippians 1:19",
            "text": "Nokuti ndinoziva kuti izvi zvichashandukira kwandiri kuva ruponeso kubudikidza nemunyengetero wenyu, nerubatsiro rweMweya waJesu Kristu, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 20,
            "name": "Philippians 1:20",
            "text": "zvichienderana nekutarisira kwangu kukuru netariro, kuti handinganyadziswi pachinhu asi neushingi hwese samagariro uye ikozvino Kristu achakudzwa mumuviri wangu, kana neupenyu, kana nerufu. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 21,
            "name": "Philippians 1:21",
            "text": "Nokuti kwandiri kurarama ndiKristu, uye kufa mubairo. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 22,
            "name": "Philippians 1:22",
            "text": "Asi kana kurarama panyama chiri chibereko chebasa rangu; zvino zvandichasarudza handizivi. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 23,
            "name": "Philippians 1:23",
            "text": "Nokuti ndiri mukumanikidzwa pakati pezviviri, ndine chishuwo chekubva nekuva naKristu, zvinopfuurisa pakunaka; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 24,
            "name": "Philippians 1:24",
            "text": "asi kugara munyama kunonyanyisa kudiwa nekuda kwenyu. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 25,
            "name": "Philippians 1:25",
            "text": "Zvino ndine chivimbo ichi, ndinoziva kuti ndichagara, ndicharamba ndigere nemwi mese, pakupfuurira kwenyu mberi, uye mufaro werutendo, "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 26,
            "name": "Philippians 1:26",
            "text": "kuti kuzvirumbidza kwenyu kuwande muna Kristu Jesu pamusoro pangu kubudikidza nekuvapo kwangu kwamurizve. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 27,
            "name": "Philippians 1:27",
            "text": "Chete fambai zvakafanira evhangeri yaKristu, kuti kunyange ndikauya ndikakuonai, kunyange kusavapo, ndinzwe nyaya dzenyu kuti mumire nesimba mumweya umwe, nemoyo umwe muchirwira pamwe rutendo rweevhangeri; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 28,
            "name": "Philippians 1:28",
            "text": "uye musingatyityidzirwi nevanopikisa pachinhu chimwe; ndicho chiratidzo chekuparadzwa kwavari, asi kwamuri cheruponeso, uye icho chinobva kuna Mwari. "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 29,
            "name": "Philippians 1:29",
            "text": "Nokuti kwamuri kwakapiwa pachena pachinzvimbo chaKristu, kwete kutenda kwaari kwega, asi kumutambudzikirawo; "
        },
        {
            "chapter": 1,
            "verse": 30,
            "name": "Philippians 1:30",
            "text": "mune kurwa kumweko sekwamakaona mandiri, nekunzwa ikozvino mandiri.   "
        }
    ]
}