{
    "translation": "Shona Bible",
    "abbreviation": "shona",
    "lang": "sn",
    "language": "Shona",
    "direction": "LTR",
    "encoding": "UTF-8",
    "book_nr": 48,
    "book_name": "Galatians",
    "chapter": 3,
    "name": "Galatians 3",
    "verses": [
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 1,
            "name": "Galatians 3:1",
            "text": "Haiwa VaGaratia matununu, ndiani wakakuroyai kuti murege kuteerera chokwadi, imwi makaratidzwa Jesu Kristu pachena pamberi pemeso, akarovererwa pamuchinjikwa pakati penyu? "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 2,
            "name": "Galatians 3:2",
            "text": "Ndichochi chete chandinoda kudzidza kwamuri chekuti: Makagamuchira Mweya nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo? "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 3,
            "name": "Galatians 3:3",
            "text": "Ko muri matununu akadai? Makatanga muMweya, zvino mopedzisa munyama here? "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 4,
            "name": "Galatians 3:4",
            "text": "Makatambudzika zvikuru zvakadai pasina here? Zvakadaro pasinawo! "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 5,
            "name": "Galatians 3:5",
            "text": "Naizvozvo iye anokupai Mweya neanoita mabasa esimba pakati penyu, anozviita nemabasa emurairo here, kana nekunzwa kwerutendo? "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 6,
            "name": "Galatians 3:6",
            "text": "Abhurahama sezvaakatenda Mwari, zvikaverengwawo kwaari kuti kururama. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 7,
            "name": "Galatians 3:7",
            "text": "Naizvozvo munoziva kuti avo verutendo, ndivo vana vaAbhurahama. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 8,
            "name": "Galatians 3:8",
            "text": "Nerugwaro, rwaona zviri mberi kuti Mwari anoti vahedheni vakarurama kubudikidza nerutendo, rwakagara rwaparidza evhangeri kuna Abhurahama, ruchiti: Mauri marudzi ese acharopafadzwa. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 9,
            "name": "Galatians 3:9",
            "text": "Naizvozvo verutendo vanoropafadzwa pamwe naAbhurahama wakatenda. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 10,
            "name": "Galatians 3:10",
            "text": "Nokuti vese vemabasa emurairo vari pasi pekutukwa; nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese asingarambiri pazvese zvakanyorwa mubuku yemurairo kuti azviite. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 11,
            "name": "Galatians 3:11",
            "text": "Asi zviri pachena kuti hakuna munhu anonzi wakarurama nemurairo pamberi paMwari, nokuti kunonzi: Wakarurama achararama nerutendo. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 12,
            "name": "Galatians 3:12",
            "text": "Zvino murairo haubvi parutendo, asi zvinonzi: Munhu anoita zvinhu izvi achararama mazviri. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 13,
            "name": "Galatians 3:13",
            "text": "Kristu wakatidzikunura pachakatukwa chemurairo, aitirwa chakatukwa isu, nokuti kwakanyorwa, kuchinzi: Wakatukwa wese wakaremberera pamuti; "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 14,
            "name": "Galatians 3:14",
            "text": "kuti ropafadzo yaAbhurahama isvike kuvahedheni muna Kristu Jesu, kuti tigamuchire nerutendo chivimbiso cheMweya. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 15,
            "name": "Galatians 3:15",
            "text": "Hama, ndinotaura nemutoo wevanhu; kunyange sungano yevanhu yasimbiswa, hakuna munhu anoikonesa kana kuwedzera kwairi. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 16,
            "name": "Galatians 3:16",
            "text": "Zvino zvivimbiso zvakataurwa kuna Abhurahama nekumbeu yake. Haarevi achiti: Nekumbeu dzako, sevanenge vazhinji, asi saanenge ari mumwe, anoti: Nekumbeu yako; inova Kristu. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 17,
            "name": "Galatians 3:17",
            "text": "Ndinoreva ichiwo: Sungano yakagara yasimbiswa naMwari muna Kristu, murairo ukazouya makore mazana mana nemakumi matatu apfuura haungaishaisi maturo, kuti uite chivimbiso chive chisina maturo. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 18,
            "name": "Galatians 3:18",
            "text": "Nokuti kana nhaka ichibva kumurairo, haichabvi kuchivimbiso; asi Mwari wakapa pachena Abhurahama nechivimbiso. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 19,
            "name": "Galatians 3:19",
            "text": "Ko murairo chii? Wakawedzerwa nekuda kwekudarika, kusvikira mbeu yasvika yakaitirwa chivimbiso; wakagadzwa nevatumwa muruoko rwemurevereri. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 20,
            "name": "Galatians 3:20",
            "text": "Asi murevereri haasi weumwe, asi Mwari ndeumwe. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 21,
            "name": "Galatians 3:21",
            "text": "Ko murairo unopesana nezvivimbiso zvaMwari here? Ngazvisadaro! Nokuti dai pakange pane murairo wakapiwa unogona kuraramisa, zvirokwazvo kururama kungadai kuchibva kumurairo. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 22,
            "name": "Galatians 3:22",
            "text": "Asi rugwaro rwakapfigira zvese pasi pechivi, kuti chivimbiso chinobva parutendo rwaJesu Kristu chipiwe kune vanotenda. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 23,
            "name": "Galatians 3:23",
            "text": "Asi kusati kwasvika rutendo, taichengetwa pasi pemurairo, takapfigirwa kusvikira kurutendo rwaizozarurwa shure. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 24,
            "name": "Galatians 3:24",
            "text": "Saizvozvo murairo wakange uri murairidzi wedu kuna Kristu, kuti tinzi takarurama nerutendo. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 25,
            "name": "Galatians 3:25",
            "text": "Asi rutendo rwakati rwasvika, hatisisiri pasi pemurairidzi. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 26,
            "name": "Galatians 3:26",
            "text": "Nokuti mese muri vana vaMwari nerutendo muna Kristu Jesu. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 27,
            "name": "Galatians 3:27",
            "text": "Nokuti mese makabhabhatidzwa muna Kristu, makapfeka Kristu. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 28,
            "name": "Galatians 3:28",
            "text": "Hakuna muJudha kana muGiriki, hakuna wakasungwa kana wakasununguka, hakuna munhurume nemunhukadzi; nokuti imwi mese muri vamwe muna Kristu Jesu. "
        },
        {
            "chapter": 3,
            "verse": 29,
            "name": "Galatians 3:29",
            "text": "Zvino kana imwi muri vanhu vaKristu, saka muri mbeu yaAbhurahama, uye vadyi venhaka maererano nechivimbiso.   "
        }
    ]
}