{
    "translation": "Shona Bible",
    "abbreviation": "shona",
    "lang": "sn",
    "language": "Shona",
    "direction": "LTR",
    "encoding": "UTF-8",
    "book_nr": 40,
    "book_name": "Matthew",
    "chapter": 15,
    "name": "Matthew 15",
    "verses": [
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 1,
            "name": "Matthew 15:1",
            "text": "Ipapo kwakauya kuna Jesu vanyori neVaFarisi vachibva kuJerusarema vachiti: "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 2,
            "name": "Matthew 15:2",
            "text": "Sei vadzidzi venyu vachidarika tsika yevakuru? Nokuti havashambi maoko avo kana vachidya chingwa. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 3,
            "name": "Matthew 15:3",
            "text": "Asi akapindura akati kwavari: Nemhaka yei imwiwo muchidarika murairo waMwari nekuda kwetsika yenyu? "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 4,
            "name": "Matthew 15:4",
            "text": "Nokuti Mwari wakaraira achiti: Kudza baba namai vako; uye kuti: Anotuka baba kana mai, anofanira kufa rufu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 5,
            "name": "Matthew 15:5",
            "text": "Asi imwi munoti: Ani nani anoti kuna baba kana kuna mai: Chipi nechipi chaungabatsirwa neni chibairo, "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 6,
            "name": "Matthew 15:6",
            "text": "naizvozvo haatongokudzi baba vake kana mai vake; naizvozvo mashayisa murairo waMwari maturo netsika yenyu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 7,
            "name": "Matthew 15:7",
            "text": "Vanyepedzeri, Isaya wakaporofita zvakanaka pamusoro penyu achiti: "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 8,
            "name": "Matthew 15:8",
            "text": "Vanhu ava vanoswedera kwandiri nemuromo wavo, vachindikudza nemiromo; asi moyo wavo uri kure neni. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 9,
            "name": "Matthew 15:9",
            "text": "Asi vanondinamata pasina, vachidzidzisa dzidziso dziri mirairo yevanhu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 10,
            "name": "Matthew 15:10",
            "text": "Zvino akadanira chaunga kwaari, akati kwavari: Teererai munzwisise. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 11,
            "name": "Matthew 15:11",
            "text": "Hazvisi zvinopinda mumuromo zvinosvibisa munhu; asi izvo zvinobuda mumuromo, ndizvo zvinosvibisa munhu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 12,
            "name": "Matthew 15:12",
            "text": "Zvino vadzidzi vake vakaswedera vakati kwaari: Munoziva kuti VaFarisi vakati vachinzwa shoko iri vakagumbuka here? "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 13,
            "name": "Matthew 15:13",
            "text": "Asi wakapindura akati: Chinomera chimwe nechimwe Baba vangu vekudenga chavasina kudzvara chichadzurwa. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 14,
            "name": "Matthew 15:14",
            "text": "Varegei; vatungamiriri vakapofumara vemapofu. Zvino kana bofu richitungamirira bofu, achawira mugomba ari maviri. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 15,
            "name": "Matthew 15:15",
            "text": "Petro akapindura akati kwaari: Tidudzirei mufananidzo uyu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 16,
            "name": "Matthew 15:16",
            "text": "Zvino Jesu akati: Imwiwo muchiri vasinganzwisisi nhai? "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 17,
            "name": "Matthew 15:17",
            "text": "Nazvino hamunzwisisi here, kuti zvese zvinopinda mumuromo zvinoenda mudumbu, uye zvinoraswa kunze? "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 18,
            "name": "Matthew 15:18",
            "text": "Asi zvinhu zvinobuda mumuromo zvinobva mumoyo; izvo zvinosvibisa munhu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 19,
            "name": "Matthew 15:19",
            "text": "Nokuti mumoyo munobuda ndangariro dzakaipa, umhondi, ufeve, upombwe, umbavha, uchapupu hwenhema, kunyomba. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 20,
            "name": "Matthew 15:20",
            "text": "Izvi ndizvo zvinosvibisa munhu; asi kudya nemaoko asina kushambwa hazvisvibisi munhu.  "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 21,
            "name": "Matthew 15:21",
            "text": "  Zvino Jesu wakabvapo akaenda kumiganhu yeTire neSidhoni. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 22,
            "name": "Matthew 15:22",
            "text": "Zvino tarira, mukadzi muKenani wakabva kumiganhu iyo akadanidzira kwaari achiti: Ndinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi; mukunda wangu wakabatwa zvakaipa nedhimoni. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 23,
            "name": "Matthew 15:23",
            "text": "Asi haana kumupindura shoko. Vadzidzi vake ndokuuya kwaari vakamukumbirisa vachiti: Muindisei, nokuti anodanidzira shure kwedu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 24,
            "name": "Matthew 15:24",
            "text": "Asi wakapindura akati: Handina kutumwa zvimwe, kunze kwekumakwai akarasika eimba yaIsraeri. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 25,
            "name": "Matthew 15:25",
            "text": "Zvino akauya akamunamata achiti: Ishe, ndibatsirei. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 26,
            "name": "Matthew 15:26",
            "text": "Asi wakapindura akati: Hazvina kunaka kutora chingwa chevana ndokukandira imbwanana. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 27,
            "name": "Matthew 15:27",
            "text": "Asi iye akati: Hongu, Ishe, asi nembwanana dzinodya zvezvimedu zvinowa patafura yavatenzi vadzo. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 28,
            "name": "Matthew 15:28",
            "text": "Zvino Jesu akapindura akati kwaari: Haiwa mukadzi, rutendo rwako rukuru! Ngazvive kwauri sezvaunoda. Mukunda wake akaporeswa kubva panguva iyo.  "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 29,
            "name": "Matthew 15:29",
            "text": "  Jesu ndokubva ipapo akauya parutivi rwegungwa reGarirea; akakwira mugomo, akagara ipapo. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 30,
            "name": "Matthew 15:30",
            "text": "Zvino zvaunga zvikuru zvakauya kwaari zvine mhetamakumbo, mapofu, zvimumumu, zvirema, nevamwe vazhinji, vakavakanda patsoka dzaJesu; akavaporesa; "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 31,
            "name": "Matthew 15:31",
            "text": "zvekuti zvaunga zvakashamisika zvichiona zvimumumu zvichitaura, zvirema zvakagwinya, vanokamhina vachifamba, nemapofu achiona; vakarumbidza Mwari waIsraeri.  "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 32,
            "name": "Matthew 15:32",
            "text": "  Jesu ndokudanira vadzidzi vake kwaari akati: Ndinonzwa tsitsi nechaunga, nokuti vakagara neni zvino mazuva matatu vasina chinhu chekudya, uye handidi kuvaindisa vasina kudya, zvimwe vangaziya panzira. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 33,
            "name": "Matthew 15:33",
            "text": "Vadzidzi vake ndokuti kwaari: Tichawanepi zvingwa zvakawanda zvakadaro murenje, kuti tigutise chaunga chikuru chakadai? "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 34,
            "name": "Matthew 15:34",
            "text": "Jesu ndokuti kwavari: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe, nehove diki shomanene. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 35,
            "name": "Matthew 15:35",
            "text": "Ndokuraira zvaunga kuti zvigare pasi pavhu. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 36,
            "name": "Matthew 15:36",
            "text": "Akatora zvingwa zvinomwe nehove, akavonga, akamedura, ndokupa vadzidzi vake, vadzidzi vakapa chaunga. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 37,
            "name": "Matthew 15:37",
            "text": "Vakadya vese vakaguta; vakanonga zvimedu zvakasara, matengu manomwe azere. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 38,
            "name": "Matthew 15:38",
            "text": "Zvino avo vakadya vakange vari varume zvuru zvina pasina vakadzi nevana. "
        },
        {
            "chapter": 15,
            "verse": 39,
            "name": "Matthew 15:39",
            "text": "Zvino wakati aregera zvaunga zvichienda, akapinda muchikepe, akasvika kumiganhu yeMagidhara.   "
        }
    ]
}